Rwiyo 4
Kuita Zita Rakanaka naMwari
Rakaprindwa
1. Muupenyu hwedu mazuva ose,
Tive nezita rinofadza Mwari.
Zita rakanaka kuna Mwari wedu
Richafadzawo mwoyo wake.
2. Kutsvaka mukurumbira munyika,
Kuda kutsvaka kuti tionekwe,
Kushamwaridzana nayo hakushandi.
Hatizofarirwi naMwari.
3. Toda kuti tiyeukwe naMwari,
Zita redu rinyorwewo mubhuku.
Tivimbe naye, totsigira chokwadi,
Zita rirambe rakanaka.
(Onawo Gen. 11:4; Zvir. 22:1; Mar. 3:16; Zvak. 20:15.)