Chidzidzo 5
Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
Neiko Jehovha akasika pasi? (1, 2)
Neiko pasi risiri paradhiso zvino? (3)
Chii chichaitika kuvanhu vakaipa? (4)
Munguva yemberi, Jesu achaitirei vanorwara? vakwegura? vakafa? (5, 6)
Kuti ugoverane muzvikomborero zvomunguva yemberi, unofanira kuitei? (7)
1. Jehovha akasika pasi rino kuti vanhu vagogona kufarikanya kugara pariri nokusingaperi. Akanga achida kuti pasi rigarwe nguva dzose navanhu vakarurama, vanofara. (Pisarema 115:16; Isaya 45:18) Pasi harisati richizotongoparadzwa; richagara nokusingaperi.—Pisarema 104:5; Muparidzi 1:4.
2. Mwari asati aita munhu, Akasarudza rutivi rumwe ruduku rwapasi ndokuruita paradhiso yakaisvonaka. Akarudana kuti bindu reEdheni. Makanga muri muno umo akaisa murume wokutanga nomudzimai, Adhama naEvha. Mwari akaita chinangwa chokuti vave navana ndokuzadza pasi rose. Zvishoma nezvishoma vaizodai vakaita kuti pasi rose rive paradhiso.—Genesi 1:28; 2:8, 15.
3. Adhama naEvha vakatadza kupfurikidza nokuputsa noune mutemo waMwari. Naizvozvo Jehovha akavaisa kunze kwebindu reEdheni. Paradhiso yakaraswa. (Genesi 3:1-6, 23) Asi Jehovha haana kukanganwa chinangwa chake nokuda kwepasi rino. Anopikira kuriita paradhiso, umo vanhu vachararama nokusingaperi. Achaita sei ikoku?—Pisarema 37:29.
4. Pasi rino risati rava paradhiso, vanhu vakaipa vanofanira kubviswa. (Pisarema 37:38) Ikoku kuchaitika paArmagedhoni, iri hondo yaMwari yokugumisa uipi. Tevere, Satani achaiswa mutorongo kwamakore ane 1 000. Ikoku kunoreva kuti hapana vakaipa vachasiyiwa kuti vashatise pasi. Vanhu vaMwari bedzi vachapukunyuka.—Zvakazarurwa 16:14, 16; 20:1-3.
5. Ipapo Jesu Kristu achatonga saMambo papasi rino kwamakore ane 1 000. (Zvakazarurwa 20:6) Achabvisa chivi mundangariro dzedu nemiviri zvishoma nezvishoma. Tichava vanhu vakakwana kungofanana nezvakanga zvakaita Adhama naEvha vasati vatadza. Ipapo kuchave kuchisinazve kurwara, kukwegura, uye rufu. Vanhu vanorwara vacharapwa, uye vanhu vakwegura vachava vadukuzve.—Jobho 33:25; Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:3, 4.
6. Mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaJesu, vanhu vakatendeka vachashanda kuchinja pasi rose kuva paradhiso. (Ruka 23:43) Uyewo, zviuru zvavakafa zvichamutsirwa kuupenyu hwomunhu papasi. (Mabasa 24:15) Kana vakaita izvo Mwari anoda kwavari, vachapfuurira kugara papasi nokusingaperi. Kana vakasadaro, vachaparadzwa nokusingaperi.—Johane 5:28, 29; Zvakazarurwa 20:11-15.
7. Nokudaro chinangwa chaMwari chapakuvamba nokuda kwapasi chichabudirira. Ungada here kugoverana muizvi zvikomborero zvomunguva yemberi? Kana zvakadaro, unofanira kuramba uchidzidza pamusoro paJehovha nokuteerera zvinodikanwa zvake. Kupinda misangano paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunzvimbomo kuchakubetsera kuita kudaro.—Isaya 11:9; VaHebheru 10:24, 25.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Paradhiso yakarasika
[Mifananidzo iri papeji 11]
Pashure peArmagedhoni, pasi richaitwa paradhiso