RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ws chits. 9 pp. 73-81
  • Sungano yaMwari Ne“shamwari” Yake Yotobetsera Mamirioni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sungano yaMwari Ne“shamwari” Yake Yotobetsera Mamirioni
  • Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Sungano yaAbrahama Inovamba Kushanda
  • Sungano Yomutemo Yakawedzerwa Kusungano yaAbrahama
  • Vanakomana Vechokwadi Vesungano yaAbrahama
  • Sungano yoMutemo Yakaroverwa Padanda Rokutambudzira raJesu
  • Jehovha ndiMwari Wesungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Zvikomborero Zvikuru Kupfurikidza Nesungano Itsva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Muchava “Umambo hweVapristi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
ws chits. 9 pp. 73-81

Ganhuro 9

Sungano yaMwari Ne“shamwari” Yake Yotobetsera Mamirioni

ANOPFUURA makore ane 1 950 akapfuura shamwari yechokwadi yavanhu vose yakati: “Hakuno munhu ano rudo rukuru runopfuura urwu, kuti mumwe munhu anofanira kupa mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johane 15:13) Mukurukuri, Jesu, akanga ari muzukuru womunhu akanzi shamwari yoUyo akaisvotanhamara zvikuru muchisiko chapose pose chose, Jehovha Mwari. Uhwu ukama hwoushamwari, kunyange zvazvo hungaratidzika hwakarereka, hwakatovamba kushanda nokuda kwokubetserwa kwamamirioni.

2 Ndianiko akanga ari munhu womunguva dzekare akawana zvakawanda zvikuru nokuda kwedu nokuda kwoushamwari hwake naMwari? Akanga ari Abrahama, muzukuru womunhu Shemi, uyo akanga ari mumwe wavapukunyuki vaMafashamo emburumbwa yose omuzuva raNoa. Abrahama akapinda muukama naMwari, achiratidzira mavara eshamwari yechokwadi. Achisundwa norudo nokutenda, Abrahama akaita mukutsinhirana nokuda kwaMwari, uye nokuda kwechikonzero ichochi munyori weBhaibheri Jakobho akataura, kuti: “Rugwaro rwakazadzika runoti: ‘Abrahama akatenda Jehovha, uye kwakanzi kwaari kururama,’ uye iye akazonzi ‘shamwari yaJehovha.’”—Jakobho 2:23.

3 Munhu iyeyo wokutenda nechiito akanga achibva muguta reUri ravaKardhea, uye akanga ari wokutanga kuva akanzi muHebheru. (Genesi 14:13) Iri zita rakazova rakashandiswa kuvazukuru vake vorudzi rwaIsraeri. (VaFiripi 3:5) Mukurangarira kuita Abrahama shamwari yake, Jehovha Mwari akamupinzawo mune dzimwe dzenhau Dzake amene. Ikoku kunoratidzirwa nezvakanyorwa muna Genesi 18:17-19.

4 Ikoku kunoenzanisa kuti Jehovha Mwari anokoshesa sei zvikuru kwazvo kutenda nechivimbo izvo Abrahama akaisa maari, kuchiparira chivimbo chisingapanikiriki chaAbrahama. Naizvozvo pasina rusuruvaro kana kuti kuzvidemba, Jehovha akagumisa kutaura kwake kurudzi rwaIsraeri kupfurikidza nokuti: “Asi iwe, O Israeri, uri muranda wangu, iwe, O Jakobho, uyo ndakasarudza, mbeu yaAbrahama shamwari yangu.”—Isaya 41:8.

Sungano yaAbrahama Inovamba Kushanda

5 Tambanuko iyo chisungo chomunhu neshamwari yake inodiwa chichava chinosvitswa kwairi inoenzanisirwa muidi rokuti Changamire wechisiko chapose pose, Jehovha, akaita sungano nouyu munhuwo zvake, Abrahama. Pana Genesi 15:18 tinorava, kuti: “Pazuva irero Jehovha akaita naAbrama [Abrahama] sungano, achiti: ‘Ndichapa nyika iyi mbeu yako, kubvira parwizi rweEgipita kusvikira kurwizi rukuru, rwizi rwaYufratesi.’”

6 Yufratesi rwakanga rwuri rwizi urwo Abrahama neimba yake vakayambuka kundopinda Munyika Yakapikirwa. Panguva yokuyambuka, Abrahama akanga asina mwana, kunyange zvazvo iye panguva iyeyo akanga asvika zera ramakore 75, uye mudzimai wake akanga apfuura zera rokubereka vana. (Genesi 12:1-5) Asika, mukunangana nemigariro yakadaro yakasiana, Mwari akataura kuna Abrahama anoteerera, kuti: “Ndapota, tarira kumusoro kumatenga ugoverenga nyeredzi, kana uchikwanisa kudziverenga. . . . Ndozvichava mbeu yako.”—Genesi 15:2-5.

7 Sungano iyo Jehovha akaita ne“shamwari” yake tinoiti isungano yaAbrahama. Sungano iyeyo yakatanga kushanda muna 1943 P.N.V. apo Abrahama akawirirana nezvinodikanwa zvesungano yaMwari ndokuyambuka Yufratesi pakuenda kwake kuNyika Yakapikirwa. Mugore irero Jehovha Mwari akasungirwa kukomborera Abrahama asina vana ne“mbeu.” Mutemo wakanga uri wesungano wakaitwa norudzi rwaIsraeri paGomo reSinai wakavapo makore ane 430 gare gare, muna 1513 P.N.V.—Genesi 12:1-7; Eksodho 24:3-8.

Sungano Yomutemo Yakawedzerwa Kusungano yaAbrahama

8 Pakuzosvika panguva iyeyo, vazukuru vaAbrahama nokumwanakomana wake Isaka vakanga vava vanhu vakasununguka. Rudzi rwaIsraeri rwakanga rwasunungurwa muEgipita uye rwakanga rwasvitswa paGomo reSinai muArabhia. Kupfurikidza naMosesi somurevereri, ivo ipapo vakanga vapinzwa musungano yoMutemo naJehovha Mwari. VaIsraeri ivavo zvavaitoveri vazukuru vokunyama ve“shamwari” yaJehovha, Abrahama, chii chaizvoizvo chakanga chiri donzo resungano yakadaro yoMutemo? Rakanga riri rokubatira setaviridzo yavanhu vakasarudzwa vaJehovha. Sungano yoMutemo haina kugumisa sungano yaAbrahama, kunyange zvazvo yakaratidzira rudzi rwaIsraeri kuva rune mhaka yokudarika pakureva nezvomutemo wakakwana waMwari.—VaGaratia 3:19-23.

9 Mukutaura kwokufananidzira, vaIsraeri vakava “vanakomana” vesungano iyeyo yoMutemo. Ivo vakarangarira kuti nemhaka yokuti ivo vaiva vazukuru vokunyama vaAbrahama, vakangoerekana vava “mbeu” iyo marudzi ose aizozvikomborera iwo amene kupfurikidza nayo. Ko ikoku kwakabvumikisa kuva kwakadaro here? Aiwa! Nhasi, anenge makore 3 500 gare gare, tinoona Republic of Israel yakazvimirira yokunyika, asi iri kurwira upenyu hwayo pakati pamarudzi mazhinji anovenga.

10 Naizvozvo kuva kwomunhu anotendeuka kuva muJudha ane pfungwa yokudarokwo kuva norutivi rwe“mbeu” yaAbrahama nokuda kwechikomborero chavamwe vose vasara vavanhu haisati iriyo nzira yaJehovha Mwari. Chii, ipapo, chakaitika?

11 Muapostora Pauro anotitsanangurira nhau yacho, achiti: “Kwakanyorwa kuti Abrahama akawana vanakomana vaviri, mumwe nokunomubatirisikana [Hagari] uye mumwe nokunomukadzi akasununguka [Sara]; asi mumwe nokunomubatirisikana akaberekwa chaizvoizvo nomutoo wokunyama, mumwe nokumukadzi akasununguka kupfurikidza nechipikirwa. Zvinhu izvozvi zviripo sechinoitika chomufananidziro; nokuti vakadzi ivava vanoreva sungano mbiri, imwe yakabva paGomo reSinai, inobereka vana vouranda, iyo iri Hagari. Zvino uyu Hagari anoreva Sinai, gomo romuArabhia, nokudaro iye anowirirana neJerusarema nhasi, nokuti iri riri muuranda pamwe chete navana varo. Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye iro ndivo amai vedu.”—VaGaratia 4:22-26.

12 Jerusarema iro murandasikana Hagari aiwirirana naro rakanga riri rapasi, rakanga richigarwa navaJudha vokunyama. Mumazuva aJesu Kristu, rakanga riri dzimbahwe rorudzi rwaIsraeri uye rakanga riri musungano yoMutemo. (Mateo 23:37, 38) Apo sungano yoMutemo yakarevererwa naMosesi yakanga ichiri kushanda, Israeri wokunyama akanga ari rutivi runooneka rwesangano raJehovha. Nokudaro raigona kufananidzirwa nomukadzi, naHagari murandasikana waSara.

Vanakomana Vechokwadi Vesungano yaAbrahama

13 Kuno rumwe rutivi, “Jerusarema riri kumusoro” rakanga riri sangano risingaoneki rokudenga raJehovha. Nomutoo unowirirana, raigona kufananidzirwa nomukadzi, naSara, mudzimai wechokwadi waAbrahama. Sungano yoMutemo haina kuitwa neiri sangano, naizvozvo “Jerusarema riri kumusoro” rakanga rakasununguka, saSara wekare. Iri ndiro sangano rinobereka “mbeu” yakapikirwa, uye ndokusaka muapostora Pauro akariidza kuti “amai vedu.”

14 Zvamazvirokwazvo, ipapoka, sungano yaAbrahama inoshanda kwaari somudzimai wokufananidzira waAbrahama Mukuru Zvikuru, hungu, kusangano rapose pose raJehovha riri kumusoro ikoko mumatenga. Kuri pachena kuti vadzidzi vakaberekwa nomudzimu vaJesu Kristu, somuapostora Pauro, vanakomana, kana kuti vana, vesungano yaAbrahama. Pauro anopfuurira kurangarira nenzira iyeyo, achiti:

15 “Nokuti kwakanyorwa, kuti: ‘Fara hako, iwe mukadzi ngomwa asingabereki; pururudza uye danidzira nenzwi guru, iwe mukadzi asina marwadzo okubereka vana; nokuti vana vomukadzi asina vana vakawanda zvikuru kupfuura avo vaiye ano murume.’ Zvino isu, hama, tiri vana vari vechipikirwa kungofanana nezvakanga zvakaita Isaka. Asi kungofanana napanguva iyeyo uyo akaberekwa nomutoo wokunyama akavamba kutambudza uyo akaberekwa nomutoo womudzimu, ndozvakunoitawo zvino. Kunyanguvezvo, ko Rugwaro runotii? ‘Dzinga mubatirisikana nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatirisikana haangatongovi mudyi wenhaka pamwe chete nomwanakomana womukadzi akasununguka.’ Naizvozvo, hama, isu tiri vana, vasati vari vomubatirisikana, asi vomukadzi akasununguka.”—VaGaratia 4:27-31; Isaya 54:1.

16 Naizvozvo chinoitika ichocho chokufananidzira chenguva yekare chakadeya kuzivisa kuti Jehovha Mwari, Abrahama Mukuru Zvikuru, aizobvisa sungano yoMutemo yaizoitwa naIsraeri paGomo reSinai. Neiyi nzira wedzero (sungano yoMutemo) kusungano yaAbrahama yaizobviswa, kana kuti kuduswa, kuchisiiwa bedzi sungano yaAbrahama nechipikirwa chayo che“mbeu” iyo mhuri dzose dzapasi dzaizozvikomborera idzo dzimene kupfurikidza nayo.

17 Naizvozvo sungano yoMutemo yakawedzerwa yaizopfuurira kutozosvikira “mbeu” yakapikirwa yasvika, uye iyoyi yakabvumikisa kuva Jesu Kristu. Kupfurikidza nenenji roumwari, iye akava muzukuru wokunyama waAbrahama. Akava muzukuru mukuru watateguru ivavo. Iye akanga asati achingova bedzi muzukuru wokunyama waAbrahama asi akanga ari Mwanakomana waMwari, nokudaro munhu akakwana, uyo akaramba aka“vimbika, asine mhosva, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi.” (VaHebheru 7:26) Zvisinei, kuva kwake Mumiriri Mukuru waMwari nokuda kwokukomborera mhuri dzose dzapasi kwaitsamira pakupira sechibairo upenyu hwake hwohunhu hwakakwana nokushandiswa kwoukoshi hwaihwohwu nokuda kwavanhu vose. Kupfurikidza nokuzvipira kwakadaro sechibairo, iye aizobatira soMuprista Mukuru Zvikuru kwazvo waJehovha, achipa chibairo chakasvitsa zvinodikanwa zvose zvoumwari.

Sungano yoMutemo Yakaroverwa Padanda Rokutambudzira raJesu

18 Betsero dzeichi chibairo chorudzikinuro dzaizotanga kupiwa nokuda kworudzi rwechiJudha, urwo Jesu akava mutezo warwo kupfurikidza nokuberekwa kwake kwenenji nemhandara Maria. Ikoku kwakanga kuri madikanwa zvamazvirokwazvo, nokuti vaJudha vakanga vakashurikidzirwa kurufu ruviri. Kwakadaro sei? Kutanga, ivo vakanga vari vana vaAdhama akaita chivi, uye kechipiri, ivo, nokuda kwokusakwana kwavo, vakanga vava vakashurikidzwa kupfurikidza nokukundikana kurarama mukuwirirana nesungano yoMutemo naMwari. Zvisinei, Jesu akava chituko kwavari. Kupfurikidza nokuroverwa padanda rokutambudzira kusvikira afa, iye akakwanisa kubvisa chituko pa“makwai akarashika eimba yaIsraeri.” Muna 33 N.V., sungano yoMutemo yakaroverwa padanda rokutambudzira raJesu, uye danga ramakwai rechiJudha raiva pasi pesungano yoMutemo yechinguvana rakapfigwa, rakabviswa.—Mateo 15:24; VaGaratia 3:10-13; VaKorose 2:14.

19 Naizvozvo danga idzva ramakwai raitofanira kuzarurwa kuti ripinze makwai omudzimu oMufudzi Akaisvonaka akamutswa, Jesu Kristu. Mufudzi Akaisvonaka akazvipa sechibairo mukovawo wokufananidzira weiri danga idzva ramakwai. (Johane 10:7) Avo vanopinzwa mune iri danga idzva ramakwai rinotungamirirwa noMufudzi Akaisvonaka vanova vanakomana vakaberekwa nomudzimu vaAbrahama Mukuru Zvikuru nokudaro rutivi rwe“mbeu” Yake. (VaRoma 2:28, 29) Mukuwirirana neiri idi, mukati mamazuva ano okupedzisira vakasarira ve“mbeu” iyeyo yomudzimu vave vachibatira sechikomborero kumamirioni anowedzera avanhu mune dzinopfuura nyika dzine 200.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. (a) Ukamai hwoushamwari hwakanga hwatovamba kushanda nokuda kwokubetserwa kwamamirioni? (b) Neiko Abrahama akanga achikwanisa kuva shamwari yaMwari?

3, 4. (a) Chii chinoenzanisira kuti Jehovha anokoshesa zvikuru sei kutenda nechivimbo izvo Abrahama akaisa maari? (b) Ko Jehovha akasvitsa namashokoi kutaura kwake muna Isaya 41:8 kumugumisidzwo mukuru?

5, 6. (a) Ko Jehovha akaita sunganoi neshamwari yake Abrahama? (b) Ko Mwari akaita chipikirwai kushamwari yake pamsoro pe“mbeu” mukunangana nemigariro yakasiana?

7. (a) Ko iyi sungano inonzii? (b) Ko iyo yakavamba kushanda mugore ripi uye nechinoitikai muupenyu hwaAbrahama? (c) Ko ikoko kwakanga kuri makore mangani pamberi pokuitwa kwesungano yoMutemo norudzi rwaIsraeri?

8. (a) Chii chakanga chiri donzo resungano yoMutemo? (b) Ko sungano yoMutemo yakaita kuti sungano yaAbrahama irege kushanda here?

9, 10. (a) Ko vazukuru vaAbrahama vakarangarira sei zvikurukuru pamsoro pe“mbeu” iyo marudzi ose aizozvikomborera iwo amene kupfurikidza nayo? (b) Ko kufunga kwavo kwakabvumikisa kuva kwakanaka here?

11. Ko muapostora Pauro akatsanangura sei chakaitika kuvazukuru vokunyama vaAbrahama?

12. Ko murandasikana Hagari akawirirana naani?

13. (a) Chii chakawirirana nomudzimai waAbrahama, Sara? (b) Neiko “Jerusarema riri kumusoro” richigona kuva rinonzi “rakasununguka”?

14. Ko sungano yaAbrahama inoshanda ku“Jerusarema riri kumusoro” here, uye vadzidzi vakaberekwa nomudzimu vaJesu Kristu nokuda kwaikoku vanogona kunzii?

15. Ko muapostora Pauro akatii pana VaGaratia 4:27-31 pamsoro pe“vana” vesungano yaAbrahama?

16. Ko chinoitika chokufananidzira chenguva dzekare chakadeya kuzivisei pamsoro pesungano yoMutemo, ikoku kuchisiya chii kuti chivepo?

17. (a) Ko sungano yoMutemo yaizopfuurira kusvikira rini? (b) Neiko Jesu Kristu akanga ari muzukuru mukuru waAbrahama? (c) Kuva kwaJesu Mumiriri Mukuru waMwari nokuda kwechikomborero chemhuri dzose dzapasi kwaitsamira pachii?

18. (a) Ko betsero dzechibairo chorudzikinuro dzaizotanga kupiwa kuna vanaani, uye nei? (b) Jesu akaveiko?

19. (a) Idangai idzva ramakwai raifanira kuzarurwa, uye iro raizova nechii? (b) Avo vanopinzwa mudanga idzva ramakwai nokudarokwo vaizova chii?

[Mufananidzo uri papeji 80, 81]

Sungano yoMutemo yaMosesi yakaitwa paGomo reSinai yakaguma apo yakaroverwa padanda rokutambudzira pamwe chete naJesu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe