RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 3 pp. 14-15
  • Kupera Kuchaita Rusarura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupera Kuchaita Rusarura
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hurumende Yakanaka
  • 1. Ichadzidzisa Vanhu Tsika Dzakanaka
  • 2. Kubvisa Marwadzo
  • 3. Utungamiriri Hwakanaka
  • 4. Kubatana
  • Rusarura Rwakakubatawo Here?
    Mukai!—2020
  • Ngativei Vamwe Sezvakaita Jehovha naJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mugumo Worusaruro
    Mukai!—2004
  • Rusaruro Ruchapera Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 3 pp. 14-15
Vanhu vemazera akasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana vari kunyemwerera.

Kupera Kuchaita Rusarura

Vanhu vakawanda vakashandisa mazano ataurwa munyaya dzapfuura uye vakabudirira chaizvo kubvisa rusarura mumwoyo mavo. Asi chokwadi ndechekuti tiri tega hatikwanisi kunyatsobvisa rusarura. Saka zvinoreva here kuti rusarura haruchambofi rwakapera?

Hurumende Yakanaka

Hurumende dzepanyika hadzisi kukwanisa kupedza rusarura. Izvi zvinoreva here kuti hapana hurumende ichakwanisa kupedza rusarura?

Hurumende ichakwanisa kupedza rusarura inofanira kuita zvinotevera

  1. 1. Inofanira kubatsira vanhu kuti vachinje mafungiro avo uye maonero avanoita vamwe vanhu.

  2. 2. Inofanira kubvisa marwadzo evanhu vakambosarurwa kuti vakwanisewo kubata vamwe zvakanaka.

  3. 3. Inofanira kuva nevatungamiriri vanobata vanhu vese zvakaenzana.

  4. 4. Inofanira kuita kuti vanhu vemarudzi ese vabatane.

Bhaibheri rinoratidza kuti hurumende inokwanisa kuita izvi itoripo uye inonzi “Umambo hwaMwari.”—Ruka 4:43.

Inzwa zvichaitwa nehurumende iyoyo.

1. Ichadzidzisa Vanhu Tsika Dzakanaka

‘Vagari vepanyika vachadzidza nezvekururama.’—ISAYA 26:9.

“Kururama kwechokwadi kuchaita kuti pave nerugare, uye kururama kwechokwadi kuchabereka runyararo nekuchengeteka zvinoramba zviripo.”—ISAYA 32:17.

Mashoko aya anorevei? Umambo hwaMwari huchadzidzisa vanhu zvinhu zvakarurama. Kana vanhu vakadzidziswa kuti zvakarurama ndezvipi, zvinovabatsira kuti vachinje maonero avanoita vamwe vanhu. Uye vachaona kuti vanofanira kuda marudzi ese evanhu.

2. Kubvisa Marwadzo

Mwari “achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—ZVAKAZARURWA 21:4.

Mashoko aya anorevei? Umambo hwaMwari huchabvisa marwadzo ese akakonzerwa nerusarura. Vanhu vakambosarurwa vanenge vasisina chikonzero chekuti varambe vakagumbuka.

3. Utungamiriri Hwakanaka

“Haazotongi nezvaanoona nemaziso ake, kana kutsiura nezvaanongonzwa nenzeve dzake. Achatonga vakaderera zvakanaka, uye achatsiura nekururama achiitira vanyoro venyika.”—ISAYA 11:3, 4.

Mashoko aya anorevei? Jesu Kristu ndiye Mambo wehurumende yaMwari yekudenga uye achatonga vanhu vanenge vari panyika zvakarurama uye asingasaruri. Jesu haana rudzi rwaanosarura uye achava nechokwadi chekuti mitemo yake yakarurama yatevedzerwa pasi rese.

4. Kubatana

Umambo hwaMwari hunodzidzisa vanhu ‘kuva nemafungiro mamwe chete, nerudo rumwe chete, vakanyatsobatana vachiva nekufunga kumwe chete.’—VAFIRIPI 2:2.

Mashoko aya anorevei? Kubatana kunenge kwakaita vanhu vanenge vachitongwa neUmambo hwaMwari kunenge kusiri kwekunyepedzera. Vachange ‘vakanyatsobatana’ nekuti vanenge vachiratidzana rudo rwepachokwadi.

Ichokwadi here kuti kune hurumende yakadaro?

Ehe. Kuti uve nechokwadi chekuti iripo tinokukumbira kuti uite zvinhu zvitatu zvinotevera:

  • Kumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti akuratidze umboo hunoratidza kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo kuzadzisa zvinotaurwa neBhaibheri.

  • Enda pajw.org pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA > UMAMBO HWAMWARI.

  • Pinda musangano weZvapupu zvaJehovha kuti uone kubatana kwavakaita uye kuratidzana kwavanoita rudo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe