RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 4 p. 9
  • ‘Zita Rakanaka Riri Nani Panzvimbo Pepfuma Zhinji’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Zita Rakanaka Riri Nani Panzvimbo Pepfuma Zhinji’
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Kupfekerei Kuzvininipisa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Zita Renyu Ngaritsveneswe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Ratidza Kuti Unoremekedza Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Ungaratidza Sei Kuzvininipisa Kwechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 4 p. 9
Makanika ane mukurumbira wakanaka

Zita rakanaka (kana kuti mukurumbira wakanaka) rinoita kuti munhu avimbwe naye uye aremekedzwe

‘Zita Rakanaka Riri Nani Panzvimbo Pepfuma Zhinji’

ZITA rakanaka (kana kuti mukurumbira wakanaka) rinokosha zvekutoti mune dzimwe nyika kusvibisa zita remumwe kunotosungisa. Izvi zvinosanganisira kubudisa mashoko enhema mupepanhau kana kuti paredhiyo uye kutaura zvinhu zvisiri zvechokwadi nezvemumwe munhu. Izvi zvinotiyeuchidza nezverumwe rugwaro rwunoti: “Zita rakanaka rinofanira kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji; nyasha dziri nani kupfuura sirivha nendarama.” (Zvirevo 22:1) Tingawana sei zita rakanaka uye tingaita sei kuti vamwe vatiremekedze? Zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira.

Semuenzaniso, funga zvinotaurwa neBhaibheri muna Mapisarema 15. Achipindura mubvunzo wekuti, “Ndiani angava mueni mutende [raMwari]?” munyori wepisarema akanyora kuti: “Ndiye . . . anoita zvakarurama uye anotaura chokwadi mumwoyo make. Iye anenge asina kuchera vamwe . . . , Anenge asina chakaipa chaakaitira shamwari yake, Anenge asina kuzvidza waanonyatsozivana naye. Iye anoramba munhu wose anozvidzwa, . . . Anoti kana apika, kunyange zvikazomuipira, haachinji. . . Anenge asina kutora pfumbamuromo.” (Pisarema 15:1-5) Ungatadza kuremekedza munhu anoita izvi here?

Chimwe chinodiwa kuti munhu aremekedzwe kuzvininipisa. Zvirevo 15:33 inoti, “Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.” Chimbofunga izvi: Munhu anozvininipisa anoona paanofanira kugadzirisa oshanda nesimba kuti agadzirise. Uyezve, anokumbira ruregerero kana akanganisira mumwe. (Jakobho 3:2) Asi munhu anodada haadaro, anotokurumidza kutsamwa. “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa,” inodaro Zvirevo 16:18.

Asi ko kana mumwe munhu akataura zvakaipa nezvako? Unobva watotanga kunetsana naye here? Zvibvunze kuti, ‘Kana ndikaedza kudzivirira zita rangu, hazvizoiti kuti ritowedzera kusviba vamwe pavanonzwa nezvenyaya yacho here?’ Kunyange zvazvo kuenda nenyaya yacho kumatare edzimhosva dzimwe nguva kuchibatsira, Bhaibheri rinopa zano rekuti, “Usachimbidza kunomhan’ara mhosva.” Pane kudaro, “pedzerana mhosva yako nowokwako.” (Zvirevo 25:8, 9)a Kuita zvekutaurirana kunogona kutoitawo kuti usarasikirwa nemari yawaizobhadhara kumatare.

Bhaibheri harisi bhukuwo zvaro rechitendero. Ibhuku rakavimbika rinopa mazano anokosha eupenyu. Vese vanoshandisa zvarinotaura vanova neunhu hunoita kuti varemekedzwe uye izvozvo zvinoita kuti vave nezita rakanaka.

a Zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri nezvekugadzirisa kusawirirana zvinowanikwa pana Mateu 5:23, 24; 18:15-17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe