RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 5/15 pp. 8-11
  • Mwari Ariko Here? Kuzviziva Kune Basa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ariko Here? Kuzviziva Kune Basa Here?
  • Mukai!—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1. CHINANGWA CHOUPENYU
  • 2. KUGADZIKANA MUPFUNGWA
  • 3. TARIRO
  • 4. ANOTIBATSIRA KUZIVA ZVOKUSARUDZA
  • UCHAONGORORA UCHAPUPU HWACHO HERE?
  • Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nezvahunoreva Zvechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Nei Kuziva Mhinduro Yacho Kuchikosha?
    Mukai!—2021
  • Donzo Chairoiro Roupenyu
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 5/15 pp. 8-11
Murume ari kuyevedzwa nemakomo uye nezvakaita denga

Mwari Ariko Here? Kuzviziva Kune Basa Here?

Mubvunzo wekuti Mwari ariko here unoita sewakaoma kupindura kana kuti usina basa kune vakawanda. Hervé, uyo akakurira kuFrance, anoti: “Ini handina basa nekuti Mwari ariko here kana kuti haako. Chinokosha kugona kushandisa pfungwa dzako muupenyu. Kwete kuti unonamata here kana kuti kwete.”

Vamwe vanogona kuva nemafungiro aiva naJohn, wekuUnited States. Akati: “Ndakarerwa nevabereki vaiti Mwari haako. Ndakura ndaisanyatsoziva kuti ariko here kana kuti haako. Izvi zvakaita kuti ndinetseke kuti saka chokwadi ndechipi.”

Wakambonetseka kuti Mwari ariko here, uye kana ariko, chinangwa chikuru chekurarama ndechei? Ongororo dzinoitwa nemasayendisiti dzinoratidza kuti nyika yedu yakanyatsogadzirwa nounyanzvi kuti zvinhu zvine upenyu zvirarame, kuratidza kuti upenyu hahuna kungoerekana hwavapo. Dai kusina Musiki zvaizooma kuti titsanangure kuti zvinhu zvose izvi zvakagadzirwa sei?​—Ona bhokisi rakanzi “Zvionere Uchapupu.”

Ona kuti nei zvataurwa izvi zviine musoro. Zvakafanana nezvikwangwani zvinokubatsira kuti usvike kwaunoda kuenda. Kana ukawana uchapupu hwechokwadi hwekuti Mwari ariko uye mashoko anotaura nezvake aunogona kuvimba nawo, zvichakukubatsira pazvinhu zvakawanda muupenyu hwako. Zvimwe zvacho 4 ndeizvi.

1. CHINANGWA CHOUPENYU

Munhu ari kuverenga bhuku hombe

Kana upenyu huine chinangwa, tinoda kuchiziva uye kunzwisisa kuti zvii zvatinofanira kuita kuti tizadzise chinangwa chacho. Kana tisingazivi kuti Mwari ariko here tinenge tichirarama tiri murima tisingazivi chinangwa chinokosha chatakasikirwa.

Bhaibheri rinotaura kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvose. (Zvakazarurwa 4:11) Kuziva izvi kunotibatsira sei kuti tirarame upenyu hune chinangwa? Ona zvinotaurwa neBhaibheri.

Vanhu vakasiyana nezvinhu zvose zvakasikwa. Bhaibheri rinotaura kuti takasikwa nomufananidzo waMwari, tichikwanisa kuratidza unhu hwake. (Genesisi 1:27) Uyezve Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanhu vanogona kuva shamwari dzaMwari. (Jakobho 2:23) Hapana chimwe chinogona kuita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa kupfuura kuva neukama neMusiki wedu.

Kuva shamwari dzaMwari kunobatsira pazvinhu zvipi? Shamwari dzaMwari dzinokwanisa kutaura naye dzakasununguka. Anovimbisa kuti achadzinzwa uye achadzibatsira kana dziri mumatambudziko. (Pisarema 91:15) Seshamwari dzaMwari, tinosvika pakuziva mafungiro ake pazvinhu zvakawanda. Izvi zvinoita kuti tinzwisise mibvunzo yakadzama ine chokuita neupenyu hwedu.

Kana tisingazivi kuti Mwari ariko here tinenge tichirarama tiri murima tisingazivi chinangwa chinokosha chatakasikirwa

2. KUGADZIKANA MUPFUNGWA

Murume ari kuratidza kugadzikana

Somuenzaniso, vamwe pavanoona kutambura kuri kuitika pasi rose zvinobva zvavaomera kubvuma kuti Mwari ariko. Vanobvunza kuti, ‘Nei Musiki ane simba rose achibvumira kutambura uye uipi?’

Zvinonyaradza kuziva kuti Bhaibheri rinotaura kuti Mwari haana kumbobvira aronga kuti vanhu vatambure. Paakasika vanhu, pakanga pasina kutambura uyewo ainge asina chinangwa chekuti vafe. (Genesisi 2:7-9, 15-17) Unofunga kuti kunyepa here kana kungorota? Aiwa. Kana Mwari iye pachake ari rudo uye aine simba rose, zviri pachena kuti haana kumbosika vanhu kuti vatambure uye vafe.

Saka chii chakazoita kuti vanhu vatambure uye vafe? Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akasika vanhu vaine rusununguko rwekusarudza zvavanoda. Mwari haatimanikidzi kuti timuteerere. Vabereki vedu vokutanga Adhamu naEvha, vakaramba kuteerera Mwari vachibva vaita zvemusoro wavo. (Genesisi 3:1-6, 22-24) Iye zvino tava kutambura pamusana pezvavakaita.

Kuziva kuti Mwari haana kumbobvira aronga kuti vanhu vatambure kunoita kuti tigadzikane mupfungwa. Asi zvinongova muropa kuti tinodawo kununurwa pamatambudziko edu. Tinoda kuziva kuti ramangwana rakamira sei.

3. TARIRO

Nyika

Vanhu vachangobva kupanduka, Mwari akavimbisa kuti aizozadzisa chinangwa chake chaakasikira nyika. Hapana chinogona kumutadzisa kuzadzisa zvaanenge avimbisa nemhaka yekuti ndiye ane simba rose. (Isaya 55:11) Munguva pfupi iri kutevera Mwari achabvisa matambudziko ose akakonzerwa nekupanduka kwakaita vanhu, uye chinangwa chake paakasika vanhu nenyika chichabva chazadziswa.

Kana nguva iyi yasvika unofunga kuti upenyu huchange hwakaita sei? MuBhaibheri mune zvakawanda zvatinovimbiswa kuti zvichaitika mune ramangwana, zviviri zvacho ndeizvi:

  • PASI POSE PACHAVA NERUGARE UYE UIPI HUCHABVISWA. “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”​—Pisarema 37:10, 11.

  • ZVIRWERE UYE RUFU ZVICHABVISWA. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) “Achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.”​—Isaya 25:8.

Chii chinoita kuti tivimbe nezvinovimbiswa naMwari muBhaibheri? Nekuti uprofita hwakawanda hwakanyorwa mariri hwakatozadziswa. Asi kuva netariro yekuti matambudziko edu achapera mune ramangwana hakubvisi nhamo dzatiri kusangana nadzo iye zvino. Mazuva ano Mwari anotibatsira sei?

4. ANOTIBATSIRA KUZIVA ZVOKUSARUDZA

Munhu ari kubatsira mumwe

Mwari anotitungamirira kuti tikwanise kukurira matambudziko uye kuti tizive zvekusarudza kuita. Muupenyu tine zvakawanda zvatinosarudza, asi zvimwe zvacho zvinogona kutochinja upenyu hwedu zvachose. Hapana munhu anogona kutipa mazano anonyatsoshanda kupfuura atinopiwa neMusiki wedu. Jehovha ndiye anonyatsoziva zvose uye ndiye akatipa upenyu. Saka anoziva zvakatinakira.

Mashoko ari muBhaibheri ipfungwa dzaJehovha Mwari, nekuti ndiye akafuridzira vanyori vakasiyana-siyana kuti vaanyore. Bhaibheri rinoti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.”​—Isaya 48:17, 18.

Mwari ane simba guru, uye anoda kurishandisa kuti atibatsire. Bhaibheri rinorondedzera Mwari sababa vane rudo vanoda kutibatsira. Rinoti: “Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene.” (Ruka 11:13) Simba raMwari iri rinogona kutitungamirira uye kutisimbisa.

Ungaitei kuti Mwari akubatsire? Bhaibheri rinoti: “Anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Kuti uve nechokwadi chekuti Mwari ariko, iwe pachako unofanira kuongorora uchapupu hwacho.

UCHAONGORORA UCHAPUPU HWACHO HERE?

Zvinotora nguva kuti uzive chokwadi nezvaMwari, asi uchange washandira zviripo. Ona zvakaitika kuna Xiujin Xiao, uyo akaberekerwa kuChina asi ava kugara kuUnited States. Anoti: “Kunyange zvazvo ndaitenda kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka, ndaida kuziva kuti Bhaibheri rinombotii. Saka ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pandakanga ndava mugore rangu rokupedzisira pakoreji, nguva yokudzidza Bhaibheri yakanga yava shoma. Izvi zvakaita kuti ndisanyatsofara. Asi pandakazotanga kukoshesa kudzidza Bhaibheri, ndakatangazve kufara.”

Ungada here kuziva zvakawanda nezveMusiki wedu, Jehovha Mwari? Wadii kutsvaka nguva yekuongorora uchapupu hunoratidza kuti ariko?

Bhaibheri Rinoti Chii nezvaMwari?

Zvinotaurwa neBhaibheri nezvaMwari zviri nyore kunzwisisa uye zvinobaya mwoyo, asi vamwe vanoshamiswa nezvarinotaura.

  • Musiki wedu munhu chaiye. Zita rake ndiJehovha.a​—Isaya 42:8.

  • Jehovha Mwari haana paakatangira uye achangoramba aripo.—Pisarema 93:2; Isaya 40:28.

  • Mwari haasi mutongi ane utsinye sezvinotaurwa nezvimwe zvitendero. Iye pachake anotonzi rudo.—1 Johani 4:8.

  • Mwari anofarira vanhu uye anotiudza kuti chinangwa cheupenyu chii.—Muparidzi 12:13; Mika 6:8.

Bhaibheri rinotaura zvose nezvaMwari here? Kwete. Bhaibheri pacharo rinoti tinongoziva “kachikamu kadukuduku kenzira dzake.”—Jobho 26:14.

a Mumutauro wechiHebheru zita raMwari rinonyorwa nemabhii mana okuti YHWH. Mamwe maBhaibheri anoshandura zita iri achiti “ISHE” asi rakajairika muChishona nderokuti “Jehovha” kana kuti “Yahwe.”

Zvionere Uchapupu

Mabhuku anotevera anopa uchapupu hwekuti kune Musiki akachenjera.

  • Kavha yebhuku rinonzi Origin of Life—Five Questions Worth Asking

    The Origin of Life​—Five Questions Worth Asking

    Rinowanikwa mumitauro 47

    Kubva papeji 12: “Dzidziso yekushanduka-shanduka inoedza kutsanangura matangiro akaita upenyu ichiti hazvina Mwari mukati. Asi ongororo dziri kuramba dzichiitwa nemasayendisiti nezvematangiro akaita upenyu dzinoratidza kuti nyaya yokuti zvinhu zvakangoerekana zvavapo haingambovi yechokwadi.”

  • Kavha yebhuku rinonzi Was Life Created

    Was Life Created?

    Rinowanikwa mumitauro 80

    Kubva papeji 24: “Vanhu vakawanda vanotaura kuti sayenzi inopikisana neBhaibheri panyaya yekusikwa kwezvinhu. Asi kupikisana uku hakusi pakati peBhaibheri nesayenzi, kuri pakati pesayenzi nezvinotaurwa nevaKristu vanoti mashoko ose ari muBhaibheri ngaatorwe sezvaari.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe