Unogona Kudzidza Kugarisana Nevamwe Zvakanaka
KUNYANGE zvazvo tichizvarwa tichida kuita zvimwe zvinhu zvakaipa, tsika yokuda kurwisa inoita zvokudzidzwa. Ndizvo zvinoitikawo panyaya yokugarisana nevamwe zvakanaka. Asi ndiani angatidzidzisa kuti tigarisane nevamwe zvakanaka? Hakuna mumwe kunze kweMusiki wedu ane uchenjeri husina kana ani zvake. Chimboongorora zvinhu zvishanu zvinotevera nemamwe mazano euchenjeri ari muBhaibheri.
1 “Usaitira shanje murume anoita zvechisimba.” (Zvirevo 3:31) Ziva kuti kuva munhu anozvidzora uye munyoro ndiko kugona. “Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba,” inodaro Zvirevo 16:32. Madziro edhamu akasimba anogona kufananidzwa nemunhu anogona kuzvidzora kana agumburiswa. Paanenge agumburiswa anopindura nounyoro zvichibva ‘zvadzora kutsamwa.’ (Zvirevo 15:1) Munhu anokurirwa nehasha haatani kugumburiswa netwunhu tuduku.—Zvirevo 25:28.
2 Sarudza vanhu kwavo vokushamwaridzana navo. “Munhu anoita zvechisimba achanyengera mumwe wake,” inodaro Zvirevo 16:29. Asi “munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.” (Zvirevo 13:20) Ichokwadi kuti kana tikashamwaridzana nevanhu vanoda zvorugare, vanozvidzora uye vanyoro, tichada kutevedzera vanhu vakadaro.
3 Ida vamwe nomwoyo wose. Tsanangudzo yakanakisisa yezvinorehwa neshoko rokuti rudo ndeiri pana 1 VaKorinde 13:4-7. Mamwe mashoko acho anoti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. . . . Harutsamwi. Haruchengeti mafi, . . . Runoshivirira zvinhu zvose, . . . runotsungirira zvinhu zvose.” Jesu akati kana tichida kutevedzera rudo rwuna Mwari tinofanira kuda kunyange vavengi vedu.—Mateu 5:44, 45.
4 Siyira Mwari kuti agadzirise zvinhu. “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. . . . Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose. Musatsiva, vadiwa, . . . nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’” (VaRoma 12:17-19) Kana tiine kutenda muna Mwari uye zvaanovimbisa, tichava nerugare urwo vanhu vasina kutenda vasingakwanisi kumbonzwisisa.—Pisarema 7:14-16; VaFiripi 4:6, 7.
5 Tarisira kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchaita kuti panyika pave norugare. Umambo hwaMwari ihurumende iri kudenga iyo ichabvisa zvinhu zvose zvakaipa uye ichazotonga pasi rose. (Pisarema 37:8-11; Dhanieri 2:44) MuUmambo ihwohwo, “munhu akarurama achamera, uye rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo.”—Pisarema 72:7.
Dzidziso idzi dzeBhaibheri dzabatsira mamiriyoni evanhu, kusanganisira vamwe vaida zvokurwisana zvokuti iye zvino vava kugona kugarisana nevamwe zvakanaka.