Kuraramazve Zvinoita!
MUNE rimwe firimu rakaitwa makore akawanda adarika, maiva nerimwe jaya rainge riri paguva rehama yaro. Rakati, “Amai vaigara vachiti kufa kuri muvanhu.” Pakaratidzwa zita remushakabvu raiva paguva, jaya riya rakatizve: “Dai vanhu vasingafi havo.”
Aya ndiwo manzwiro anoita vanhu vakawanda vakafirwa nehama neshamwari. Rufu muvengi ane utsinye zvechokwadi! Asi Mwari anovimbisa kuti: “Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.” (1 VaKorinde 15:26) Asi neiko tichifa kunyange zvazvo zviri pachena kuti tinokwanisa kurarama nekusingaperi? Rufu ruchaparadzwa sei?
Chinoita Kuti Tichembere Tofa
NezvaJehovha Mwari, Musiki wedu, Bhaibheri rinoti: “Basa rake rakakwana.” (Dheuteronomio 32:4; Pisarema 83:18) Munhu wokutanga, Adhamu, akasikwa akakwana, uye aikwanisa kurarama nokusingaperi muEdheni, munda waiva Paradhiso maakanga aiswa naMwari. (Genesisi 2:7-9) Chii chakaita kuti Adhamu arasikirwe nemusha iwoyo waiva Paradhiso achibva azochembera ndokufa?
Zvakaitika ndeizvi: Adhamu akatadza kuteerera murayiro wekuti asadye muchero wemumwe muti. Mwari akanga anyatsoudza Adhamu chirango chaaizowana kudai aizoudya, achiti: “Chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:16, 17) Adhamu nemudzimai wake, Evha, havana kuteerera murayiro iwoyo saka Mwari akavadzinga muEdheni. Chikonzero chakaita kuti Mwari akurumidze kuvadzinga chinotaurwa neBhaibheri richiti: “Kuti [Adhamu] arege kutambanudza ruoko rwake, akatorawo michero pamuti woupenyu [waiva mumunda imomo], akadya, akararama nokusingagumi.—Genesisi 3:1-6, 22.
Adhamu naEvha vakafira kusateerera kwavo, asi neiko vanhu vose vachichembera vofa? Nokuti vakagara nhaka yechivi chaAdhamu, uye chivi chakaita kuti vana vose vavakabereka vave vasina kukwana uye vafe. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—VaRoma 5:12.
Zvinoita Kuti Tiraramezve
Sezvatamboverenga, ‘rufu ruchaparadzwa’—chokwadi, kubviswa zvachose! (1 VaKorinde 15:26) Asi zvichaitwa sei? Bhaibheri rinozvitsanangura, richiti: “Nokuda kwokururamisa kumwe chete, vanhu vemarudzi ose vanonzi vakarurama nokuda kwoupenyu.” (VaRoma 5:18) Chii chinoita kuti vanhu vanzi naMwari vakarurama vowana upenyu husingaperi?
Urongwa hwekubvisa chivi chemunhu wekutanga, Adhamu, chakagarwa nhaka nevanhu vose. Bhaibheri rinoti: “Chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.” (VaRoma 6:23) Nezveurongwa uhwu hwekuti vanhu vanzi vakarurama vowana upenyu, Jesu akati: “Mwari akada nyika [vanhu] kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
Ona kuti Mwari uye Mwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo akatambudzika kwazvo pamusana pedu, vanotida chaizvo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwanakomana waMwari, . . . akandida akazvipa nokuda kwangu.” (VaGaratiya 2:20) Zvisinei, nei Jesu ari iye oga munhu aigona “kupa mweya wake kuti uve rudzikinuro” kuti atiponese pamigumisiro yechivi?—Mateu 20:28.
Jesu ndiye oga aigona kupa mweya wake kuti utidzikinure nokuti ndiye chete akanga asina kugara nhaka yechivi chemunhu wekutanga, Adhamu. Nei zvakadaro? Nokuti upenyu hwaJesu hwakatamiswa zvinoshamisa kuti huve mudumbu raMariya aiva mhandara. Mariya akaudzwa nengirozi kuti, mwanakomana wake aiva mu“tsvene, Mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:34, 35) Ndicho chikonzero nei Jesu achinzi “Adhamu wokupedzisira” uye asina kugara nhaka yechivi che“munhu wokutanga Adhamu.” (1 VaKorinde 15:45) Jesu aiva munhu asina chivi, saka aigona kuzvipa kuti ave “rudzikinuro runoenzanirana”—upenyu hwake hwaienzanirana kana kuti hwaienderana nehwemunhu wekutanga aimbova akakwana, asina chivi.—1 Timoti 2:6.
Nokutipa rudzikinuro urwu, Mwari akaita kuti tikwanise kuwana zvakanga zvaraswa naAdhamu wekutanga,—upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Vanhu vakawanda zvikuru vanotofanira kuraramazve kuti vawane chikomborero ichi. Iyoyo itarisiro inozofadza! Asi zvakaoma here kudavira izvi?
Zvinoita kuti Tidavire
Zvinofanira kutiomera here kudavira kuti Jehovha Mwari, akasika upenyu, ane simba rokusikazve munhu anenge amborarama? Funga nezvekubata pamuviri, izvo Mwari akaita kuti mukadzi wekutanga akwanise kuita. “Adhamu akarara naEvha,” uye papera mwedzi mipfumbamwe, kasvava kakasvika kakafanana navo kakazvarwa. (Genesisi 4:1) Zvakaitika mudumbu maEvha kuti nhengo dzese dzemwana dzigadzirwe uye dzibatane zvichiri kunzi chishamiso chisina munhu anogona kunyatsochinzwisisa!—Pisarema 139:13-16.
Kuzvara hakumboshamisi nokuti mazana ezviuru zvemadzimai ari kungopona zuva nezuva. Zvisinei, vanhu vakawanda vachiri kufunga kuti hazviite kuti munhu araramezve. Jesu paakaudza vanhu vaichema musikana akanga afa kuti vanyarare, “vakatanga kumuseka vachimuzvidza” nokuti vaiziva kuti akanga afa. Asi Jesu akataura nemusikana akanga afa, achiti: “‘Musikana, ndinoti kwauri, Muka!’ . . . Musikana wacho akabva angomuka, akatanga kufamba.” Tinoudzwa kuti: “Pakarepo [vaye vaivapo] vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.”—Mako 5:39-43; Ruka 8:51-56.
Jesu paakati vanhu vabvise dombo raive rakavhara guva raRazaro, Marita, hanzvadzi yaRazaro, akaramba, achiti: “Iye zvino anofanira kunge ava kunhuhwa, nokuti ava mazuva mana.” Zvisinei, vakafara kwazvo Jesu paakamutsa Razaro! (Johani 11:38-44) Vakawanda vakapedzisira vava kuziva zvishamiso zvaJesu. Johani Mubhabhatidzi ari mujeri, vadzidzi vake vakamuudza nezvemabasa aJesu, vachiti: “Vakafa vari kumutswa.”—Ruka 7:22.
Kumutswa Voraramazve
Nei Jesu akaita zvishamiso zvakadaro, nokutika vaya vaakamutsa vakazorwara ndokufazve? Zvakaratidza kuti zvakaraswa naAdhamu wekutanga—upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano—zvinogona uye zvichavapozve. Kumutsa vanhu kwakaita Jesu kwakaratidza kuti pakupedzisira mamiriyoni evanhu “achagara nhaka yenyika” uye “achagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.
Zvinofadza kuti tinogona kuva vamwe veavo vane tariro iyoyo inoshamisa yokurarama nokusingaperi kana tika“zvipira kuna Mwari.” Bhaibheri rinoti kuzvipira ikoko kune “chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.” Upenyu ihwohwo “hunouya” hunonziwo “upenyu chaihwo.”—1 Timoti 4:8; 6:19; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Ngatimboongororai kuti ihwohwu huri kunzi upenyu chaihwo, huya hunouya munyika itsva yakarurama, hunenge hwakaita sei.
[Mufananidzo uri papeji 22]
“Vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo”