Munhu Akafa Atotsakatika Here?
MUNA February 1987, mumwe murume ane makore 85 akasarudza kusashandisa muchina weitsvo wakanga uchimuraramisa. Papera vhiki mbiri akafa chinyararire ari kumba, mwanakomana wake ari padivi pake.
Nguva iyoyo yekupedzisira vari pamwe chete yakavapa mukana wekutaura nezvenyaya yavakanga vambokurukura: Munhu akafa achazoraramazve here? Baba vacho vaiva murume akafunda asi vakanga vasina chokwadi nazvo. Vakanga vapindwa nedzidziso yokuti zvinhu zvakavapo nokushanduka shanduka uye vaisemburwa neunyengeri huri mumachechi. Ivo vaiti hapana munhu angaziva kuti Mwari ariko here kana kuti haako.
Mwanakomana achida kunyaradza baba vake uye kuvapa tariro, akavaratidza kuti zvinoita chaizvo kuti munhu azoraramazve. Vava kutandadza, baba vakabvuma kuti zvakanaka chaizvo kuti munhu araramezve, aine simba neutano hwakanaka.
Zvinhu Zvinonyaradza Kana Watarisana Nerufu
Vanhu vakawanda, kana kutoti vose, vangada kuzoraramazve kana vachizova neutano hwakanaka nesimba munyika ine runyararo. Vanhu vakasiyana nemhuka dzinonzi neBhaibheri “dzisingafungi.” (2 Petro 2:12) Tinoviga vanenge vafa. Tinoronga nezveremangwana. Hatidi kuchembera, kurwara, uye kufa. Asi zvinhu izvi ndizvo zvinoitika muupenyu.
Tinopengenuka patinenge tatarisana nerufu, rungava rwedu kana kuti rwehama yedu. Zvisinei, Bhaibheri rinotikurudzira kuti tishinge panouya rufu, richiti: “Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pane kuenda kuimba yemabiko.” Rinowedzera kuti: “Munhu mupenyu anofanira kuzvifungisisa nomwoyo wake.” (Muparidzi 7:2) Nei tichifanira kufungisisa nezverufu, kana kuti kudzamisa pfungwa panyaya iyi?
Chikonzero ndechekuti tinozvarwa tichida kurarama uye kunakidzwa neupenyu hune runyararo pasina chekutyira. Kufa—kutsakatika—hakutombofungiki. Zvakaoma, kana kutoti hazviite, kufunga kuti tichatsakatika. Bhaibheri rinotsanangura nei zvakadaro richiti: “[Mwari] akaisa kusaguma mundangariro yomunhu” kana kuti ‘mumwoyo make.’ (Muparidzi 3:11; Revised Standard Version) Isu tinoda kurarama, kwete kufa. Pafunge: Chido ichocho chaizosimba zvakadaro kudai chakanga chagara chisiri chinangwa cheMusiki chekuti tirarame nokusingaperi here? Zvinoita here kuti vanhu vozoraramazve nokusingaperi vasingarwari uye vachifara?
Chikonzero Chekudavira
Gore rakapera, gwaronhau rinonzi AARP The Magazine, rinobudiswa nesangano rekuAmerica revanhu vari pamudyandigere, raiva nemusoro waiti: “Upenyu Pashure Perufu.” Pavanhu vakawanda vane makore anodarika 50 vakabvunzurudzwa, “vanoda kusvika 73 pazana rega rega vakati ‘Ndinodavira kuti kana ndikafa ndichararamazve.’” Asiwo gwaronhau racho rakataura kuti vamwe vanoda kusvika 25 pazana roga roga vakati “Ndinodavira kuti kana ndafa, ndopazvaperera.” Asi vanhu ndizvo chaizvo zvavanoda kudavira here?
Munyaya iyoyi, Tom anopinda chechi yeRoma kuNew York, anonzi akati: “Vanoparidza kuti munhu akafa, achararamazve. Ndinongoti ehe, vanhu vanoparidza zvakangosiyana-siyana. Ndiwe wotoona kuti wotenda zvipi. Ndinoenda kuMisa. Ndinorarama sezvinonzi kune humwe upenyu, asi handitendi kuti huriko. Kana huriko, ah, ndinongoti ibhonasi.”
SaTom, vanhu vakawanda vanoti hapana munhu angaziva kana upenyu huriko kana kuti kwete, sezvaiita baba vaya vambotaurwa, vaigara vachiudza mwanakomana wavo kuti, “Kuenda kuchechi hakuna kumboipa kune vaya vanotya kufa.” Asi iye nevamwe vane pfungwa idzodzo vakapedzisira vabvuma kuti kutenda kuti kune Musiki ane simba guru kunoita kuti tiwane mhinduro yezvishamiso zvataizotadza kunzwisisa.
Semuenzaniso, pangopera vhiki nhatu chete nhumbu yabata, masero europi hwemwana ari mudumbu anotanga kuumbika. Masero aya anowanda achiita zvokuti akamboti gadzirwei, ombomira uye dzimwe nguva panogadzirwa anosvika 250 000 pamineti! Papera mwedzi mipfumbamwe mwana anozvarwa aine pfungwa dzinokwanisa kudzidza zvinoshamisa. Anodzidza nezvemakemikari ezvinhu zvipenyu James Watson akati uropi hwemunhu ndicho “chinhu chakaomesesa pane zvose zvatinoziva.”
Paunofunga nezvezvinhu zvinokukatyamadza kudai, unoshamiswa here sezvinoita vamwe vakawanda? Kufungisisa kwakadaro kwakakubatsira here kupindura mubvunzo wakambobvunzwa kare kare nemumwe murume, wekuti: “Kana murume akagwinya akafa, angararamazve here?” Murume iyeye akapindura Mwari aine chivimbo achiti: “Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.”—Jobho 14:14, 15.
Chokwadi zvakanaka kuti tiongorore uchapupu hunotipa chikonzero chekuti vanhu vachazoraramazve.