RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 October p. 15
  • Mukai! Yakamubatsira Zvaaisafungira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukai! Yakamubatsira Zvaaisafungira
  • Mukai!—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Kuverenga Bhaibheri Ndiko Kunondipa Simba Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Ndakakomborerwa Nokuti Ndakaisa Mwari Pakutanga
    Mukai!—2009
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 October p. 15

Mukai! Yakamubatsira Zvaaisafungira

Yakanyorwa Nemunyori weMukai! kuBenin

◼ Noël ane makore 23, paakasiya chikoro kuti ave muparidzi wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, hama dzake dzakafunga kuti aizoona nhamo yecheuviri. Zvechokwadi zvakamunetsa kuti awane basa raaizoshanda maawa mashoma pazuva kana kuti mazuva mashoma pavhiki. Saka Mukai! payakabuda iine nyaya yaiti “Zvinhu Zvishanu Zvinobatsira Kuti Uwane Basa,” Noël akaigarira pasi kasingaperi.a Yakamubatsira here? Ehe, asi kwete sezvaaifungira.

Mukuru wechimwe chikoro chisiri chehurumende akaona Noël achiparidza paimba neimba ndokumubvunza kana aive mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mukuru uyu aida mumwe mudzidzisi, nokudaro zvaaiziva kuti Zvapupu zvinogona kudzidzisa, akabvunza Noël kana aiziva Chapupu chingada basa. Noël zvaakati hapana waaiziva, mukuru uya akati, “Ko iwewe?”

Noël aive asina kumbobvira adzidzisa, uye dzimwe nguva aikakama. MuBenin iri raiva dambudziko nokuti bazi rezvedzidzo rinoda kuti vadzidzisi vaitiswe bvunzo inoongorora kana vachikakama. Mukuru akamuvimbisa achiti, “Wana gwaro rinodiwa, uye uchapinda basa iri.”

Noël akanga abudirira zvakanaka muChikoro chaMwari Choushumiri, chikoro chakaitirwa kuti vanhu vagone kutaura nevanhu chinoitwa vhiki yega yega muungano dzeZvapupu zvaJehovha. Aitopa hurukuro dzavose muungano mavo. Asi zvisinei, hana yake yairova paakaenda kubvunzo yacho.

Aimuitisa bvunzo akamutambidza magazini ndokumukumbira kuti averenge zvinonzwika ndima yaiva yakatarwa nezvitsvuku. Noël akati tuzu aona paiti, “Zvinhu Zvishanu Zvinobatsira Kuti Uwane Basa.” Akadedemura ndima yacho achibva apiwa gwaro raidiwa.

Aimuitisa bvunzo akataura kuti anogara achiverenga magazini eZvapupu zvaJehovha. Akatsanangura kuti, “Magazini aya anodzidzisa uye anonyorwa neunyanzvi zvokuti ndinowanzoashandisa pabvunzo dzandinoitisa.”

Noël akatanga kudzidzisa, uye mukuru wechikoro uya aida kuti aenderere mberi achidzidzisa mugore raitevera, asi Noël aiva nehumwe hurongwa. Akanga akokwa kuti ashande pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha, uko kwaari kushumira iye zvino.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Mukai! yaOctober 2005, mapeji 4-9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe