“Bhuku Iri Rinobatsira!”
◼ Ndizvo zvakataura mumwe mukurumukuru wechikamu chaitsvakurudza kugarisana kwevakaroorana nezvebhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Mumwe murume nemudzimai vakabvunzwawo pakutsvakurudza kwacho vakamupa bhuku iri vachiti rakavabatsira pavaigadzirira imba yavo.
Mukurumukuru wacho akanyora tsamba achivatenda ne“chipo chinobatsira” chavakanga vamutumira. Akabva ataura kuti vanhu vakaita saivo vaigona kudzidzisa vamwe “zvinoitwa kuti imba isimbe uye inakidze.” Aiva nechivimbo kuti mabhuku akadai saChakavanzika Chomufarwa Wemhuri anobatsira vanhu vakaroorana kuti vagadzirise matambudziko avangasangana nawo. Akacherechedza kuti vaviri ava vaiva pari nani nokuti vaiva nokutenda kwakasimba uye vaida kubatsirwa naMwari.
Mukurumukuru uyu akati akaisa bhuku iri padhesiki pake uye anoriverengera vanenge vabvunza mazano ekumisa dzimba. Akagumisa achiti, “Ndakanga ndisati ndamboona bhuku iri. Bhuku iri rinobatsira!”
Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri rabatsira zviuru zvevanhu vakaroorana pasi rose. Ringakubatsirawo kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri zvingaita kuti imba yenyu inakidze.
Unogona kuodha bhuku iri rine mapeji 192 nokuzadza kopani rinotevera wotumira kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Ndapota nditumireiwo bhuku riri pano.
□ Ndapota ndionei kuti mundidzidzise Bhaibheri ndisingabhadhari ndiri pamba.