RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 3/8 p. 32
  • ‘Rizere Mashoko Anokosha’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Rizere Mashoko Anokosha’
  • Mukai!—2004
Mukai!—2004
g04 3/8 p. 32

‘Rizere Mashoko Anokosha’

Ndiko kurondedzera kwakaita mumwe mukuru mukuru wemusha unochengeta vanenge varwarisa muIllinois, U.S.A., bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Akanga atumirwa bhurocha racho nemagazini yeMukai! nomumwe weZvapupu zvaJehovha nokuti Chapupu chacho pachakaverenga Mukai! chakanga chaona kuti vakwegura ndivo vanonyanya kuzviuraya. Mukuru mukuru uyu wemusha unochengeta vanenge varwarisa paakagamuchira mabhuku acho, akabva anyora tsamba pakarepo achibvuma kuti akanga aaona.

Pashure pokunge mukuru mukuru uyu wemusha unochengeta vanenge varwarisa acherechedza kuti bhurocha raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa rizere mashoko anokosha, akanyora kuti: “Ndingafara kuripa . . . mhuri dzinganyaradzwa nouchenjeri hwaro hunoshandisika uye ndima dzeBhaibheri nemashoko aro.”

Chapupu chacho chakabva charidzira mukuru mukuru uyu runhare pakarepo ndokuronga kuzomushanyira. Akakumbira mabhurocha 20 ndokukumbira kuti musha wacho unochengetwa vanenge varwarisa ushanyirwezve mwedzi miviri kana mitatu nemamwezve mabhurocha.

Pamwe iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva achanyaradzwa nokuverenga bhurocha iri rine mapeji 32. Unogona kukumbira bhurocha rako nokuzadza kopani rinotevera uye kuritumira kukero yakaratidzwa pakopani kana kukero yakakodzera pane dzakanyorwa papeji 5 yemagazini ino.

□ Pasina zvandinovimbisa, ndiri kukumbirawo bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.

□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe