Ngarava Dzine Simba Dzakagadzirira Kubatsira
NOMUNYORI WEMUKAI! MUFINLAND
SHIRI DZOMUGUNGWA dzinoengerera mudenga risina makore. Zuva riri kugocha. Mhepo yakazara nokunhuwirira kwebhinzi dzekofi. Pakupedzisira madhoo omunogara zvinhu zvinotakurwa anovharwa kuti ndi, mabhero anochema, uye ngarava yakatakura zvinhu zvakawanda inotanga rwendo rwayo yakaremerwa. Bhinzi dzekofi dzakatakurwa dzatanga rwendo rwadzo kuenda kuFinland, nyika yevanhu vanoda kofi. Zvisinei, vhiki shomanana yasimuka, mukutonhora kwakanyanya kwomuchando, ngarava yakatakura masaga aya ebhinzi dzekofi yave kuda kukundikana kufamba muaizi yomuGungwa reBaltic. Chii chingaitwa? Hapana chikonzero chokunetseka, nokuti rubatsiro ruri kuuya. Ngarava hombe inotanga kuonekwa—ngarava inopwanya aizi.
Kupwanya Aizi
Zvinhu zvakawanda zvepasi pano zvinotakurwa nomumvura. Kazhinji izvi hazvina chinetso. Asi ngarava dzingasvika sei pazviteshi zvadzo kana gungwa rakaoma nechando? Izvi zvinonyanya kunetsa muGungwa reBaltic rakabatikana, rinova ndiro bedzi rinoshandiswa nenyika dzakawanda somukoto wokupinda munyanza. Somuenzaniso, munguva yechando chakanyanyisa, zviteshi zvengarava zvakawanda zveFinland zvinenge zvakavharwa neaizi, uye zviteshi zvayo zviri nechokumusoro zvinenge zvakavharwa neaizi kweinosvika mwedzi mitanhatu. Izvi zvakaita kuti vanhu varasikirwe noupenyu.
Muna 1867, goho rezvirimwa rakawanikwa kumusoro uye nechepakati peEurope rakanga riri duku. Sezvo pakanga pasina nzira yokuenda kuFinland yakanga isina aizi kusvikira muna May, pakanga pasina nzira yokuuya nezvokudya zvokuyamura kuzosvikira aizi yanyunguduka. Mubhuku rinonzi Through Ice and Snow, mutungamiriri wengarava Seppo Laurell anoti: “Pakazosvika nguva iyoyo, vanhu vanosvika 110 000, kana kuti vanopfuura zvikamu zvishanu kubva muzana vevagari [vomuFinland] vakanga vafa nenzara.”
Aizi inokanganisa ngarava dzinotakura zvinhu kune dzimwewo nzvimbo. MuNorth America ichi chinetso chakakurumbira muGreat Lakes, muSt. Lawrence River, uye mumhenderekedzo dzeCanada. Nzvimbo dzeArctic neAntarctic dzakatooma kufamba munguva dzechando chinoita magodo. Ikoko avhareji youpamhi hweaizi mamita maviri kusvika kumatatu.
Kuedza Kwokutanga Kuvhura Nzira Muaizi
Munguva dzengarava dzaifamba nemhepo, aizi yakanga iri chipingamupinyi chisingakundiki. Pakazosvika ngarava dzakagadzirwa nesimbi, zvinhu zvakava nani. Kana ngarava yokutakura zvinhu yacho yakanga yakasimba zvakakwana, yaigona kupfuura pachayo nomuaizi isina kunyanya kukora. Zvisinei, ngarava dzakadaro dzakanga dziri shoma, kunyange zvazvo dzimwe dzadzo dzakanga dzakatogadzirwa dzakasimba kuitira aizi yacho.
Kugadzira ngarava dzinopwanya aizi kwakashanda. Ngarava yokupwanya aizi yokutanga kuvapo inonzi yakanga iri City Ice Boat I, yakagadzirwa muUnited States muna 1837. MuEurope, Eisbrecher yakagadzirwa muHamburg, Germany, muna 1871. Kuishandisa kwakakurumidza kuratidza kuti ingarava dzorudzii dzinonyatsoshanda zvakanaka muaizi, uye pakutanga kwezana remakore rechi20, mamwe marudzi chaiwo okugadzira akanga atovapo.a
Ngarava Huru Dzesimbi
Zvinenge zvakaita sei apo ngarava inobatwa muaizi? “Ngarava yacho inodedera sokunge ine fivha yakanyanya,” anodaro mumwe anofamba nengarava. Simbi dzengarava inopwanya aizi dzinenge dziri mumvura dzinofanira kusimba kukurira dzengarava yebhizimisi. “Kurovera pachikomo cheaizi kwakafanana nokurovera kumahombekombe egungwa uri muigwa rinomhanya zvokuti,” anodaro mushandi weimwe ngarava inopwanya aizi. Simbi dzinenge dziri nechokumberi kwengarava dzinogona kunge dziine upamhi hwemasendimita matatu—pangarava dzinopwanya aizi nechokumusoro kana zasi dzinogona kutosvika masendimita mashanu—uye ngarava yacho uye simbi dzomukati dzakaisirwa kusimbisa kuti isapwanyike nemhaka yeaizi mukuwedzera pane dzagara dziripo. Ngarava idzodzo dzakasimba sei? MuHondo Yenyika II, apo ngarava inopwanya aizi inonzi Tarmo yakarohwa nebhomba, munogara vanhu vanoifambisa uye dzimwe dzimba dzose zvakaparadzwa, asi chikamu chinenge chiri mumvura hachina kana kumboita buri rokupinza mvura.
Maumbirwe esimbi dzinenge dziri mumvura dzengarava inopwanya aizi anokosha. Kazhinji basa rakaoma hakusi kupwanya aizi pachakwo asi kusundira kure magodo eaizi anenge apwanyika. Ngarava dzakawanda dzinopwanya aizi dzine kumberi kwakaumbwa sechipunu. Ngarava yacho inopwanya aizi nouremu hwayo yosundira magodo acho kumativi uye pasi. Maumbirwo emberi kwengarava yacho ndeounyanzvi kuitira kuderedza kukweshana kwengarava neaizi yacho. Uyewo, ngarava yacho inovharwa nesimbi isingaiti ngura kana kuti pendi inonyatsotsvedzerera uye inogara kwenguva refu.
Ngarava hombe idzi dzinofambiswa nei? Iye zvino hakuchina zviya zvokuti varume vari kudikitira vanenge vachifoshorera marasha muimba inenge iine injini. Ngarava dzazvino dzinopwanya aizi dzinofambiswa negwenya remagetsi rinoshandisa dhiziri, uye simba radzo rakafanana nerengarava duku dzinotakura mafuta. Kuitira kuti ngarava dzinopwanya aizi dzishande munzvimbo dziri nechokumusoro uye nechezasi dzine aizi pasina kutya kupererwa nemafuta okushandisa, dzimwe dzinoshanda nesimba renyukireya.
Magadzirirwo Akasiyana Nedzimwe
Kana igwa rikabatwa mumatope, mukwasvi waro anogona kuribvisa nokuzunguzira igwa racho kumativi. Izvozvo ndizvo zvinoitwa pangarava dzinopwanya aizi. Zvisinei, kunyange varume vanenge 30 vanoshanda mungarava havakwanisi kuzunungusa ngarava idzi. Kuzunguza kwacho kunoitwa nomumwe muitiro wokutsveyamisa ngarava—mvura inobviswa ichidzoswa pakati petangi hombe remvura riri kune rimwe divi nerimwe riri kune rimwe divi. Zviripo ndezvokuti dzimwe nguva, izvi zvinopedzwa mumasekondi mashoma akadai se15! Kungofunga kuzunguza kwakadaro kungachenerutsa kumeso kwomunhu asina kujaira kufamba nengarava. Zvechokwadi hapana akafanana nevafambisi vengarava.
Pakupera kwezana remakore rechi19, mumwe akanga afunga nezvokuita chinhu chinotenderera nechemberi kwengarava yacho. Chinotenderera ichi chaikonzera kuyerera kwemvura yaideredza kukweshera uye yaisunda aizi kubva munzira. Dzimwe ngarava dzinopwanya aizi dzanhasi dzine zvinotenderera zviviri kumashure uye chimwe chete kana zviviri kumberi. Zvisinei, mungarava dzakawanda dzinopwanya aizi, chinotenderera chacho chakatsiviwa nechimwe chinofuridza mweya. Maburi ari nechepasi anoburitsa mweya wakawanda mumvura iri pasi peaizi zvichikonzera furo mumvura, zvinova zvinoderedza kukweshera.
Kutarira Kuti Kune Chiri Kuuya Here
Zuva rinodziya romuchirimo rinoita zvinotadzwa nengarava pfumbamwe dzinopwanya aizi dzeFinland—rinonyungudutsa aizi yakazara muzviteshi zvengarava, kunyange kunzvimbo dziri nechokumusoro kwenyika yacho. Ngarava dzinopwanya aizi dzinodzokera kwadzinogara, uye izvi zvinoreva kuti vanodzishandisa vanova nezhizha riri nyore. Ngarava idzi dzinodhura dzakagadzirirwa basa iri chete dzinozogara dzisina zvadziri kuita nokuti magadzirirwo adzo anodziita kuti dzisanyatsokwanisa kufamba mumvura isina aizi.
Zvisinei, pane rudzi rutsva rwengarava. Idzi ngarava dzinopwanya aizi nokuita mabasa akawanda dzinoshanda kupwanya aizi munguva yechando, asi munguva inenge isina aizi, dzinogona kushandiswa pakuisa tambo dzenhare dzinofamba nepasi pemvura, kushandiswa pakutsvakurudza ruzivo, uye kugadzira michina yokuchera mafuta inenge iri mumakungwa. Imwe ngarava yakadaro, inonzi Botnica, yakagadzirwa muna 1998 kuti ishandiswe neFinnish Maritime Administration, ine zvifambiso zviviri zvinotenderera madhigirii 360 saka zvinoshanda kwete chete sehwindimiri asiwo sezvidzoreso. Zvifambiso izvi zvinoita kuti ngarava yacho igone kunyatsodzorwa zvakanakisisa. Magadziriro aya akashandiswawo pangarava dzinotakura vanhu.
Nokuda kwokufambira mberi kwenzira dzokupwanya aizi, imwe pfungwa yorumwe rudzi rwengarava inotakura zvinhu yakauya. Kana ichienda mberi, ngarava yacho inofamba nomumasaisai senguva dzose. Zvisinei, simbi dziri nechokumashure kwengarava yacho dzinozoshandiswa kupwanya aizi. Iyi “ngarava inogona kushandiswa mabasa maviri” inozonyatsoshanda munzvimbo dzokumusoro kana dzezasi dzine aizi, uko kakawanda ngarava dzinopwanya aizi dzisingagoni kuenda. Ngarava yacho inogona kuvhura nzira yayo muaizi nokufamba neshure.
Asi panguva ino, vanhu vomuFinland vakamirira kofi yavo. Ngarava inopwanya aizi yataurwa mundima yokutanga yenyaya ino yanunura ngarava yakatakura kofi uye zvino yave kuidhonza. Mutungamiri wengarava inopwanya aizi anozendama akadekara pasimbi dziri pamucheto pengarava. Ipapo anobva atendeukira kunzvimbo yokufambisa chikepe. Yave nguva yokunwa kofi inopisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Ngarava dzinopwanya aizi dzinosiyana kukura uye magadzirirwo, zvichienderana nokuti dzinoshanda kupi—muzviteshi zvengarava, mugungwa, kana kuti kunzvimbo dziri nechokumusoro kana zasi dzine aizi. Nyaya ino inonyanya kutaura nezvengarava dzinopwanya aizi dzinoshandiswa mugungwa.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Ngarava inopwanya aizi inonzi “Otso” iri kugadzira nzira yokupinda nayo
[Kwazvakatorwa]
Finnish Maritime Administration
[Mufananidzo uri papeji 26]
Ngarava yakabatwa muaizi—munenge muna 1890
[Kwazvakatorwa]
Museovirasto
[Mufananidzo uri papeji 27]
“Taymyr” inoshanda nenyukireya
[Kwazvakatorwa]
Kværner Masa-Yards
[Mufananidzo uri papeji 27]
“Botnica”
[Kwazvakatorwa]
Finnish Maritime Administration
[Mufananidzo uri papeji 27]
Ngarava dzinopwanya aizi dzinogonawo kushandiswa kuisa tambo nemapaipi zvinoenda nepasi pemvura
[Kwazvakatorwa]
Finnish Maritime Administration