Mashoko Emuzasi
a Tinoda kubatsirwa naJehovha kuti tikunde matambudziko atiri kusangana nawo mazuva ano. Nyaya ino ichatibatsira kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anochengetedza vanhu vake. Anoona matambudziko anosangana nemumwe nemumwe wedu, uye anotibatsira kuti tiakunde.