Mashoko Emuzasi
a Vabereki vechiKristu vanoda vana vavo chaizvo. Vanoshanda nesimba pakuriritira vana vavo uye pakuita kuti vafare. Chinonyanya kukosha ndechekuti vabereki ivavo vanoita zvese zvavanogona kuti vabatsire vana vavo kuda Jehovha zvakadzama. Munyaya ino tichakurukura mazano mana eBhaibheri anogona kubatsira vabereki kuti vaite izvozvo.