Mashoko Emuzasi
a Bhuku raZvakazarurwa rinoita kuti tizive vavengi vaMwari richishandisa zviratidzo. Bhuku raDhanieri rinotibatsira kunzwisisa kuti zviratidzo izvozvo zvinorevei. Munyaya ino tichaenzanisa humwe uprofita huri muna Dhanieri nehumwe uprofita hwahwakafanana nahwo huri muna Zvakazarurwa. Izvi zvichaita kuti tikwanise kuziva vavengi vaMwari. Tichabva takurukura zvichaitika kwavari.