Mashoko Emuzasi
a Tinofara kana vanhu vachida kudzidza Bhaibheri, uye tinoora mwoyo kana vasingadi. Ko kana munhu wauri kudzidza naye Bhaibheri akasafambira mberi? Ko kana usati wambodzidza nemunhu zvekuti anosvika pakubhabhatidzwa? Ungabva watoti wakundikana here pakuita kuti vanhu vave vadzidzi? Munyaya ino tichaona kuti nei tichigona kubudirira muushumiri hwedu towana mufaro pasinei nekuti vanhu vanoteerera here kana kuti kwete.