Mashoko Emuzasi
a Wakambonzwa here mumwe munhu ava nemakore achishumira Jehovha achiti, ‘Ndaisambofunga kuti ndichasvika zera randava mugumo usati wasvika’? Tese tinoda chaizvo kuona Jehovha achigumisa nyika ino yakaipa, kunyanya panguva ino yakaoma. Asi tinofanira kudzidza kuva nemwoyo murefu. Munyaya ino tichaona zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira kuti timirire Jehovha. Tichaongororawo mienzaniso miviri yepatinofanira kumirira Jehovha nemwoyo murefu. Tichazopedzisa nekuona makomborero achawanikwa nevaya vanoda kumirira.