Mashoko Emuzasi
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Ona kuti kudzidza Bhaibheri kunogona sei kuchinja upenyu hwemunhu: Pakutanga mumwe murume anonzwa sekuti upenyu hwake hauna chinangwa uye haazivi Jehovha. Anozosangana neZvapupu pazvinenge zvichiparidza, obvuma kudzidza Bhaibheri. Zvaari kudzidziswa zvinoita kuti azvitsaurire uye abhabhatidzwe. Nekufamba kwenguva, anobatsirawo vamwe kuti vave vadzidzi. Vese vanozonakidzwa neupenyu muParadhiso.