Mashoko Emuzasi
a Murume paanoroora, anova musoro wemhuri. Munyaya ino tichakurukura kuti zvinorevei kuva musoro, nei Jehovha akaita kuti pave nemusoro, uye kuti varume vangadzidzei pamuenzaniso waJehovha naJesu. Munyaya inotevera, tichakurukura kuti murume nemudzimai vangadzidzei pana Jesu nevamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri. Uye munyaya yechitatu tichakurukura kuti hama dzingashandisa sei simba radzakapiwa muungano.