Mashoko Emuzasi
c KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mifananidzo mitatu iri kuratidza zvinoitika musangano weungano paunenge usati watanga, paunenge uchiitwa, uye paunenge wapera. Mufananidzo 1: Mukuru achikwazisa muenzi zvine ushamwari, hama yechidiki iri kuona nezvegudzanzwi, uye hanzvadzi iri kukurukura neimwe hanzvadzi yechikuru. Mufananidzo 2: Vakuru nevadiki vari kusimudza maoko kuti vapindure paChidzidzo cheNharireyomurindi. Mufananidzo 3: Murume nemudzimai vari kubatsira pakuchenesa Imba yeUmambo. Amai vari kubatsira mwana wavo kuti aise mari mubhokisi remupiro. Hama yechidiki iri kuona nezvemabhuku, uye imwe hama iri kukurudzira hanzvadzi yakwegura.