Mashoko Emuzasi
a Patinenge takamirira kuti zvakavimbiswa naMwari zvizadzike, tinogona kutadza kuva nemwoyo murefu kana kupedzisira tisisina kutenda. Zvii zvatinodzidza pana Abrahamu zvichatibatsira kuti tive nemwoyo murefu patinenge tichimirira kuti zvakavimbiswa naJehovha zvizadzike? Uye ndezvipi zvakanaka zvakaitwa nevamwe vashumiri vaJehovha vemazuva ano panyaya iyi?