Mashoko Emuzasi
f KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Painenge iri kuchikoro, hanzvadzi yechidiki inogara ichiona uye ichinzwa zvinhu zvinoita kuti vanhu vaone sekuti ungochani hauna kuipa. (Mune dzimwe nyika mavara erainbow anoshandiswa sechiratidzo cheungochani.) Pave paya, hanzvadzi yacho inotsvakurudza kuti isimbise kutenda kwayo muzvinhu zvinonzi naJehovha zvakarurama. Izvi zvinoibatsira kuti iite chisarudzo chakanaka.