Mashoko Emuzasi
a Vaapostora vakaita makore vachishanda naJesu, uye vakava shamwari dzake dzepedyo. Jesu anodawo kuti tive shamwari dzake, asi panewo zvimwe zvinhu zvinogona kuita kuti tiomerwe nekuva shamwari dzake izvo zvisina kumbosangana nevaapostora. Nyaya ino ichataura zvimwe zvacho, uye ichatibatsira kuona kuti tingava sei shamwari dzaJesu uye kuti tingaitei kuti ushamwari hwacho hurambe hwakasimba.