Mashoko Emuzasi
a Tinoziva kuti Baba vedu, Jehovha, vanotida chaizvo, uye vakaita kuti tive mumhuri yavo yevanhu vanovanamata. Izvozvo zvinoita kuti tivadewo. Tingaratidza sei kuti tinoda Baba vedu vane rudo, Jehovha? Nyaya ino ichataura zvimwe zvinhu zvatingaita.