Mashoko Emuzasi
a Gore rino Chirangaridzo cherufu rwaKristu chichaitwa musi weChipiri, 7 April. Tinofanira kuona sei vaya vanodya chingwa nekunwa waini manheru iwayo? Tinofanira kunetseka here kana nhamba yevanodya paChirangaridzo ikaramba ichiwedzera? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyi, uye zvairi kutaura zvakatorwa munyaya yakabuda muNharireyomurindi yaJanuary 2016.