Mashoko Emuzasi
b KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kuzodzwa nemweya mutsvene: Jehovha anoshandisa mweya wake mutsvene pakusarudza munhu kuti atonge naJesu kudenga. Achishandisa mweya wake, Mwari anopa munhu vimbiso yeramangwana, kana kuti ‘chekufanobatiswa.’ (VaEf. 1:13, 14) VaKristu ava vanokwanisa kutaura kuti mweya mutsvene ‘unopupurirana nemweya wavo’ kana kuti unoita kuti zvijeke kwavari kuti mubayiro wavo uri kudenga.—VaR. 8:16.