Mashoko Emuzasi
a Rugwaro rwedu rwegore rwa2020 runotikurudzira ‘kuita kuti vanhu vave vadzidzi.’ Murayiro iwoyo unoshanda kuvashumiri vaJehovha vese. Tingabatsira sei vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vave vadzidzi vaKristu? Nyaya ino icharatidza kuti tingabatsira sei vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vaswedere pedyo naJehovha. Tichaonawo kuti tingasarudza sei kuti toenderera mberi nekudzidza nemunhu here kana kuti torega.