Mashoko Emuzasi
a Unonzwa sekuti zvauri kuitira Jehovha zvishoma here? Unomboona sekuti hauna zvauchakwanisa kumuitira here? Kana kuti unomboona sekuti hapana chikonzero chekuti uite zvakawanda mubasa raJehovha here? Nyaya ino ichataura nzira dzakasiyana-siyana dzinogona kushandiswa naJehovha kuti akupe simba nechido, kuti uite chero zvaanoda pakuzadzisa chinangwa chake.