Mashoko Emuzasi
b Shoko rekuti “Kitawala” rinobva pashoko rechiSwahili rinoreva kuti “kuva nesimba pamusoro pevamwe, kutungamirira, kutonga.” Vanhu vechikwata ichi vaiita zvematongerwo enyika, uye chinangwa chavo chaiva chekusunungura nyika yavo pautongi hweBelgium. Vanhu veKitawala vaitora mabhuku eZvapupu zvaJehovha, voadzidza, voapa vanhu uye vaimonyorora dzidziso dzeBhaibheri kuti vatsigire maonero avaiita zvematongerwo enyika, kutenda mashura uye unzenza hwavaiita.