Mashoko Emuzasi
b KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kuita zvemidzimu kutevedzera dzidziso netsika dzine chekuita nemadhimoni. Kunosanganisira kubvuma kuti munhu paanofa, mweya wake unoramba uri mupenyu uye kuti vakafa vanokwanisa kutaura nevapenyu, kunyanya pachishandiswa svikiro. Kuita zvemidzimu kunosanganisirawo kuita zveuroyi uye kushopera. Munyaya ino, mashiripiti anoreva kuita minana kana kuti mapipi. Anogona kurevawo kushurudzira vanhu kana kuvatsinga. Mashiripiti aya akasiyana nezvidavado zvinoitwa nevamwe vanhu vachifambisa-fambisa maoko avo zvine unyanzvi, vachizviitira kuvaraidza vanhu.