Mashoko Emuzasi
a Kuperera kuita sei? Nei Jehovha achida kuti vashumiri vake vave vanhu vakaperera kwaari? Nei mumwe nemumwe wedu achifanira kukoshesa nyaya yekuperera kuna Mwari? Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti Bhaibheri rinopindura sei mibvunzo iyoyo. Ichatibatsirawo kuti tinyatsoona zvatingaita kuti tirambe takaperera kuna Mwari zuva rimwe nerimwe. Kuramba takaperera kuna Mwari kuchaita kuti tiwane makomborero akakura.