Mashoko Emuzasi
a Rugwaro rwegore rwa2019 runotipa zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tirambe takadzikama kunyange zvinhu zvikaipa munyika kana kuti muupenyu hwedu. Nyaya ino ichaongorora zvikonzero izvozvo uye ichatibatsira kuti tisanyanya kunetseka asi tiwedzere kuvimba naJehovha. Fungisisa mashoko erugwaro rwegore. Rubate nemusoro kana uchikwanisa. Ruchakubatsira kuti ukurire matambudziko auchasangana nawo.