Mashoko Emuzasi
a Purofesa C. Marvin Pate akanyora kuti vaongorori vakawanda vanotenda kuti Jesu paakati “nhasi” aireva kuti aizofa ova muParadhiso zuva iroro, kana kuti pasati papera maawa 24. Akawedzera kuti “Chinonetsa papfungwa iyi ndechekuti inopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri kuti Jesu akatanga ‘aburukira’ kuhadhesi paakafa (Mat. 12:40; Mab. 2:31; VaR. 10:7) uye pava paya akazoenda kudenga.”