Mashoko Emuzasi
b Kutumira mameseji anonyadzisira pafoni kunosanganisira kutumira mashoko, mapikicha kana mavhidhiyo ezvinhu zvinonyadzisira. Zvichienderana nezvaitika zvacho, panogona kuumbwa dare rinotonga. Pane dzimwe nyaya, vamwe vana vakatumira mameseji anonyadzisira ndokubatwa nemhosva yekushungurudza vamwe panyaya dzebonde. Kuti uone mamwe mashoko, enda pajw.org woverenga nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti—Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira?” (Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA.) Kana kuti ona nyaya inoti “Kutaura Nemwana Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira” iri muMukai! yaJanuary 2014, peji 7-8.