Mashoko Emuzasi
b Zvine musoro kuti titi vamwe vachapona paAmagedhoni vachange vakaremara. Paaiva panyika, Jesu akarapa “hosha dzemarudzi ose,” achitiratidza zvaachaitira vanhu mune ramangwana, kwete vanenge vamutswa, asi vanenge vapona paAmagedhoni. (Mat. 9:35) Vachamutswa vachange vaine miviri isina kana pakaremara.