Mashoko Emuzasi
a Shoko rekuti “hama” rinogona kubatanidzawo vanhukadzi vari muungano. Pauro akanyora tsamba ‘kuhama’ dzake dzaiva muRoma. Zviri pachena kuti aibatanidzawo hanzvadzi, uye dzimwe dzacho akadzitaura nemazita. (VaR. 16:3, 6, 12) Nharireyomurindi yakabvira kare ichitaura nezvevaKristu ‘sehama nehanzvadzi.’