Mashoko Emuzasi
b VaIsraeri havana kuzivisa mashoko orugare vasati varwa nevaKenani. Sei vasina? Nekuti vaKenani vakanga vapiwa makore 400 ekuti vasiye zvakaipa zvavaiita. Panguva yakauya vaIsraeri kuzovarwisa, vaKenani vakanga vachiri kungoita zvakaipa vasingadi kuchinja. (Genesisi 15:13-16) Saka vaifanira kuparadzwa vose. Asi vaya vakabvuma kusiya zvakaipa havana kuurayiwa.—Joshua 6:25; 9:3-27.