Mashoko Emuzasi
d Mashoko anobva kunyika dzakasiyana-siyana anoratidza kuti kana munhu akanoshanda kunze kwenyika achisiya mhuri yake, zvinowanzoita kuti pave nematambudziko akakura. Vamwe vanopedzisira vava kuita upombwe, ungochani, kana kuti makunakuna, uyewo vana vanoshaya unhu, vanofoira kuchikoro, vanowedzera kuva nehasha, kuzvidya mwoyo, kana kuva nepfungwa yokuda kuzviuraya.