Mashoko Emuzasi
a Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinofunga kuti mashoko okuti “ganda rinotsiviwa neganda” angava achireva kuti Jobho aizoita kuti vana vake nezvipfuwo zvirasikirwe neganda, kana kuti upenyu, chero iye aizoramba aine ganda rake, kana kuti upenyu. Vamwe vanofunga kuti mashoko iwayo anoratidza kuti munhu angasva hake arasikirwa neganda rake kana zvichizoita kuti arambe achirarama. Somuenzaniso, munhu angavhika chibhakera noruoko kuti asarohwa kumeso, achirasikirwa nerimwe ganda kuti arambe aine ganda rake. Chero zvairehwa nedimikira racho, zviri pachena kuti Jobho aizofara kurasikirwa nezvose chero aizoramba aine upenyu hwake.