Mashoko Emuzasi
c Kutoti mitemo yomunzvimbo yacho ichirayira zvimwewo zvakasiyana, mhiko dzinotevera dzinokudza Mwari ndidzo dzinoshandiswa. Murume anoti: “Ini [zita romurume] ndinokutora iwe [zita romwenga] kuti uve mudzimai wangu womuchato, kuti ndikude nokukutarisira maererano nomutemo waMwari wakarongwa muMagwaro Matsvene nokuda kwevarume vechiKristu, chero bedzi tose tiri vaviri tiri vapenyu pasi pano maererano nourongwa hwaMwari hwokuroorana.” Mwenga unoti: “Ini [zita romwenga] ndinokutora iwe [zita romurume] kuti uve murume wangu womuchato, kuti ndikude nokukutarisira nokukuremekedza zvikuru maererano nomutemo waMwari wakarongwa muMagwaro Matsvene nokuda kwevadzimai vechiKristu, chero bedzi tose tiri vaviri tiri vapenyu pamwe chete pasi pano maererano nourongwa hwaMwari hwokuroorana.”