Mashoko Emuzasi
b Pamusoro pemakomo anoputika eRano Raraku, pane zvakawanda zvakavezwa nokunyorwa pamatombo. PaRano Kau ndipo paitangira makwikwi eavo vaida kutonga chitsuwa chacho. Aisanganisira kudzika nemawere, kushambira kuenda kune chimwe chezvitsuwa zviduku, kutora zai reimwe shiri yemo, kushambirazve kudzokera kuchitsuwa chikuru, uye kukwira mawere aya asingapunzi zai racho.