Mashoko Emuzasi
a Mutsamba yakanyorerwa nzvimbo yokuUnited States inogadzirwa mari, yomusi waNovember 20, 1861, Munyori weBazi rezvemari Salmon P. Chase akanyora kuti: “Hapana nyika inogona kuva yakasimba kutoti ichipiwa simba naMwari, kana kuti ingava yakachengeteka kutoti ichidzivirirwa Naye. Kuvimba kwevanhu vedu naMwari kunofanira kuziviswa pamari dzesimbi dzenyika yedu.” Somugumisiro, kutaura kwokuti “Tinovimba naMwari” kwakatanga kuonekwa pamari yesimbi yokuUnited States yakaratidzwa munyika yose muna 1864.