Mashoko Emuzasi
a Petro paakashanyira Andiyoki yokuSiriya, akasonganira noushamwari nevatendi veMamwe Marudzi. Zvisinei, apo vaKristu vechiJudha vakasvika kubva kuJerusarema, Petro “akabva arega achizviparadzanisa, achitya boka revakadzingiswa.” Tinogona kufungidzira kurwadziwa kunofanira kunge kwakaitwa vatendeuki veMamwe Marudzi ivavo apo muapostora airemekedzwa uyu akaramba kudya navo.—VaGaratiya 2:11-13.