Mashoko Emuzasi
a Insight on the Scriptures, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., rinotsanangura kuti: “Sokushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri, ‘kuyananisa’ rine pfungwa huru yoku‘fukidza’ kana kuti ku‘chinjana,’ uye chinhu chinochinjaniswa nacho chacho, kana kuti chino‘fukidza’ chimwe chinhu chinofanira kunge chakafanana nacho pazvose. . . . Kuti chakaraswa naAdhamu chiyananiswe zvakakwana, chinopiwa chechivi chine ukoshi hwakaenzana chaizvo noupenyu hwomunhu akakwana chaifanira kugoverwa.”