Mashoko Emuzasi
a C. T. Russell afa, bhuku rakaratidzwa sevhoriyamu yechinomwe yeStudies in the Scriptures rakaitwa mukuedza kutsanangura mabhuku aEzekieri naZvakazarurwa. Zvimwe zvezvinhu zvaiva muvhoriyamu yacho zvaitorwa mutsinhiro dzakanga dzaitwa naRussell pamabhuku eBhaibheri iwayo. Zvisinei, nguva yokuzivisa zvinoreva uprofita ihwohwo yakanga isati yasvika, uye kungotaurawo, kutsanangura kwakaitwa muvhoriyamu iyoyo yeStudies in the Scriptures kwaiva kusina kujeka. Mumakore akatevera, mutsa usina kufanirwa waJehovha uye zvaiitika panyika zvakaita kuti vaKristu vanzwisise zvinoreva mabhuku iwayo ouprofita zvakarurama zvikuru.