Mashoko Emuzasi
a Imwe nyanzvi inotaura kuti dimikira rechiHebheru rakashandiswa pana Mika 7:18 rino“torwa kubva pane zvinoitwa nomunhu ari parwendo anopfuura chinhu chaasinei nacho asina kuchiona. Pfungwa yarinopa haisi yokuti Mwari haaoni chivi, kana kuti anochiona senhau inokosha zvishoma kana kuti isingakoshi, asi kuti haachioni mune zvimwe zviitiko achifunga nezvekuranga; kuti haarangi, asi anokanganwira.”—Vatongi 3:26; 1 Samueri 16:8.