Mashoko Emuzasi
a ChiDonatism chakanga chiri sekete re“chiKristu” remazana remakore rechina nerechishanu C.E. Vatsigiri vacho vaitaura kuti kunaka kwemasakaremende kunotsamira patsika dzemushumiri uye kuti chechi inofanira kubvisa mumitezo yayo vanhu vane mhaka dzakakomba dzechivi. ChiArianism chakanga chiri sangano re“chiKristu” remuzana remakore rechina iro rairamba kuti Jesu Kristu akanga ari Mwari. Arius aidzidzisa kuti Mwari haana kuberekwa uye haana mavambo. Mwanakomana, nemhaka yokuti akaberekwa, haagoni kuva Mwari mupfungwa imwe cheteyo seyaBaba. Mwanakomana akanga asipo kubva pakuvambavamba asi akasikwa uye aripo nokuda kwaBaba.