Mashoko Emuzasi
a Dzimwe shanduro dzinoreva pano kuti anogunzva vanhu vaMwari ari kugunzva, kwete ziso raMwari, asi kuti raIsraeri kana kuti kunyange rake. Mhosho iyoyi yakabva kuvanyori vemunguva dzeMiddle Ages avo, munhamburiko dzavo dzisina kururama dzokugadzirisa zvikamu zvemashoko zvavaifunga kuti hazvina basa, vakachinja ndima ino. Ivo nenzira iyoyo vakakanganisa ukuru hwokuzviisa munzvimbo yevamwe kwaJehovha.