Mashoko Emuzasi
a Mukufunda kwake nharaunda yacho, anonzvera zvirimwa Walter C. Lowdermilk (achimirira U.N. Food and Agriculture Organization) akagumisa, kuti: “Nyika iyi yaichimbova paradhiso yamafuro.” Akaratidzirawo kuti mamiriro okunze ikoko haana kuchinja zvikuru “kubva panguva dzeRoma,” uye “‘renje’ rakatsiva nyika yaichimbova yakapfuma rakanga riri basa romunhu, kwete chisiko.”